Kutsi
Kutsi (Underneath, beneath) zvinoreva pasi pechiro kana pakadzika-dzika.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Akaudza amai vake zvaiva kutsi kwemwoyo wake.
- Akahwanda kutsi kwehozi.
- Akamutswa ari kutsi kwehope.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaMambwe vanoti muse (bottom) kureva mutsi. Nyungwe inoti kuntsi kwa (under, below, beneath) kureva kutsi.
- Kikongo inoti kunxi, kunanxi a kana munanxi a (below, beneath) kureva kutsi. Digo inoti tsini ya (below, under, underneath) kureva kuzasi.
- Luwanga inoti mulwalo (below, underneath) kureva kutsi. Sokuti mulwalo we imesa - under the table. Dangbe inoti sisi (under) kureva kutsi.
- Luwanga vanoti omwalo kana empale (below, down there) kureva kutsi. Mazwi aya anoda kutodzana nokuti hwaro.
- Giryama vanoti ts'ini (below, down, low) kureva kutsi. Kune izwi rokuti kutsinin'ina kana kuti tsinin'ini.