Nzou
Nzou (Ku Chingezi: elephant) kana Zhou zimhuka ziguru-guru rinowanikwa kuZiwumbe reAfurika nereEzhiya. Nzou ndiyo mhuka hombe hombe pamhuka dzinowanikwa padunhu dzisingagare mumvura
Hupango mu sainzi | |
---|---|
Muvuso: | Umhuka (Animalia) |
Faramu: | Kodhata (Chordata) |
Mukasu: | Dzinoyamwisa (Mammalia) |
Raya: | (Proboscidea) |
Mhuri: | (Elephantidae) |
Zasi-Mhuri: | (Elephantinae) |
Mapoka anosanganiswa | |
* Loxodonta Anonymous, 1827 * Elephas Linnaeus, 1758 * †Palaeoloxodon Matsumoto, 1925 | |
Zvinosanganiswa nebazu asi umuto wakabviswa mutsika dzekare | |
* †Mammuthus Brookes, 1828 * †Primelephas Maglio, 1970 |
Nzou dzinowanikwa muAfurika dzine nyanga; nzou dzinowanikwa kuEzhiya dzimwe hadzina nyanga. Nzou dzinotakura nhumbu kwemwedzi makumi maviri nemaviri (22). Painozvarwa nzou inenge ine huremu hunosvika 105 kg. Nzou dzinorarama makore 50-70.
- Mhuvi inzou isina nyanga.
- Gaka renzou (intestine of elephant used as sleeping bag) apa kureva matumbu enzou aishandiswa sebhegi rekurarira.
- Murevo wenzou (elephant's trunk). VaVenda vanoti musingo (elephant's trunk).
Tsumo
chinjirudza- Kuita kwewashaya kuteya nzou neriva.
- Nzou hairemerwe nenyanga dzayo.
- Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori.
- Chirango chatimba, kuti nzou pinda mumba. It is a mere formality for a (small bird) to invite an elephant to its nest.
- Kuvaraidza zuva kuteya nzou neriva. It is just killing time if one sets a stone-trap for an elephant.
Mazita emhuri
chinjirudza- Mazita emhuri ane chekuita nenzou anosanganisira: Zhou, Nzou, Chinzou, Mukonowenzou, Manzou, Nenzou, Samanyanya, Mashambanzou.
Mitauro
chinjirudza- VaFwe vanoti njovu (elephant) kureva nzou. VaNyungwe vanoti ndzou (n. elephant) kureva nzou. VaGiryama vanoti ndzovu (n. elephant).
- VaWanga vanoti inzofu (n. elephant) kureva nzou. MaZulu vanoti indlovu kureva nzou. VaZigula vanoti ntrembo kureva nzou.
- VaMakhuwa vanoti itepo (elephant) kureva nzou. VaSwahili vanoti tembo (elephant) kureva nzou. Maconde vanoti inembo kureva nzou..
- Mang'anja vanoti njobvu i-omba mpembe (an elephant trumpets) vachireva nzou inokuma seinoridza bhosvo. Bukusu vanoti eenjo.u (adj. big).
- VaGulu vanoti ntembo kana matembo (elephant) kureva zhou. Mamwe mazwi: n'tembo (n. ivory) kureva nyanga dzenzou.