Tsoka
Tsoka (feet in English) inhengo yemuviri yatinotsika nayo iri kunoperera makumbo. Sedzimwe nhengo, nhego iyi inokura pakukura kunoitawo munhu.
Tsika
chinjirudza- Katsoka ndibereke - kureva kutiza zvebasa.
- Dzara kana gunwe (a toe).
- Chikanwe (little toe) kureva chigunwe chidiki chetsoka.
- Chitsitsinho, nhende, chitende chikamu chetsoka chiri kumashure nechepasi panotsika uye panogonya gumbo richiita tsoka.
- Chitambarariro chetsoka kana chitsiko chetsoka (footstool).
- Usatuke verwendo rutsoka ndiMarashe.
Tsunda (a muscle or a tendon).
Zvirevo
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- VaTonga neBaila vanoti mukondo (foot print) kureva chindindo chetsoka - pakutaura mazuvaose tinongoti tsoka.
- VaTonga vanoti tende (n. foot). VaFwe vanoti mutara kana mitara (n. footprint) kureva tsoka.
- VaBemba vanoti lukasa (n. foot) kureva tsoka. Mamwe mazwi: makasa (n. footprint) kureva tsoka.
- Chewa neVaYao vanoti chindende (heel) kureva nhende. Venda vanoti vhutala (n. footprint; track).
- VaGungu vanoti Kisinde (foot print, track, trail) kureva chidhindo chetsoka. VaNyungwe vanoti mdzayo (n. sole) kureva pasi petsoka.