Rwizi Zambezi irwizi rwunoyerera kubva kuZambia, rwopinda muAnghola, rwuchizotevedza muganhu weNamibhiya, Zambia, Zimbabwe ne Vutswana, pedzezvo rwopinda kuMzambuko uko rinonodira mu Gungwa re India.

Rwizi Zambezi
Rwizi Zambezi

Kuno kuChamhembe kwe Afurika, Zambezi ndiro rwizi rwukuru rwakareba 3,540km, parwizi urwu ndipo panowanikwa mapopomo anonzi Vutsi-vuno-tinha (kureva Mapopomo eVhikitoriya) ari pamuganhu panosangana Zimbabwe, Zambia, Namibhiya ne Vutswana. Mamwe mapopoma ari parwizi Zambezi anosanganisira: Mapopomo eChavuma iri pamuganhu weAnghola neZambia; Mapopomo eNgonye ne Mapopomo eSioma kuMadokero kwe Zambia.

Zambezi rine magwenya makuru emagetsi maviri ari paDhamu ra Kariva ne Dhamu ra Kabora Basa (kureva Cabora Bassa). Pane rimwe gwenya diki pa Vusi-vuno-tinha.

Rwizi Zambezi rune dzimwe nzvimbo dzine machiti - rapids.

Chisuvi cheMvura

chinjirudza

Chisuvi cheMvura zvinoreva nzvimbo yakakwirira yokuti kumativi ayo nzizi dzinoyerera dzichienda kwakasiyana.

Somuenzaniso muZimbabwe chisuvi chemvura chinotevedza nzvimbo dzakakwirira pakavakirwa maguta anoti: Harare; Chegutu; Kadoma; Kwekwe; Gweru neVulawayo.

Kune rimwe divi nzizi dzinoyerera dzichienda kuMaodzanyemba kunodira kuna rwizi Zambezi. Nzizi dzinoti: rwizi Mazowe; rwizi Munyati; rwizi Manyame dzinoyerera dzichinodira muna Zambezi.

Nekune rimwe divi dzinoyerera dzichienda mabvazuva dzichinodira muna Rwizi Runde naRwizi Save. Divi iri rine nzizi dzinoti: rwizi Tokwe; rwizi Chiredzi; rwizi Mutirikwe dzine mvura inonopinda kuMozambique ichinodira kugungwa re India.

Mitauro ye Chibanthu

chinjirudza
  • VaLuba-Lunda vanoti yambeji (n. place of plenty of water) kureva nzvimbo tempura zhinji.

[1]

Mabviro eruzivo

chinjirudza
  1. https://static1.squarespace.com/static/557edb36e4b0c3993dee95d1/t/55d4a886e4b07a228bd17991/1440000134867/likumbi-lya-mize-1.pdf


Nzizi dze Zimbabwe

Rwizi rwe BubiRwizi ChiredziRwizi rwe GwayiRwizi rwe HondeRwizi rwe InkankeziRwizi rwe InzizaRwizi rwe InyankuniRwizi rwe Kwe KweRwizi rwe RimupopoRwizi rwe LuenhaRwizi ManyameRwizi MazoweRwizi rwe MachaveziRwizi ManyameRwizi rwe MucheleleRwizi rwe MuchekeRwizi MunyatiRwizi MupfureRwizi rwe MushaweRwizi rwe MutirikweRwizi rwe MweneziRwizi rwe MweweRwizi rwe MtetengweRwizi rwe MzingwaneRwizi rwe NcemaRwizi rwe Ngezi (Masvingo)Rwizi rwe Ngezi (Midlands)Rwizi rwe NgondomaRwizi PungweRwizi rwe RundeRwizi SaveRwizi rwe SebakweRwizi rwe SengwaRwizi rwe ShanganiRwizi rwe ShasheRwizi rwe SiwazeRwizi rwe TokwaneRwizi rwe TokweRwizi rwe ThuliRwizi rwe UmchabeziRwizi Zambezi


Rwizi dzeAfrica
Rwizi Manyame | Rwizi Mazowe | Rwizi Munyati | Rwizi Nile | Rwizi Pungwe | Rwizi Save | Rwizi Zambezi
  NODES
Note 2